Psalms 137

1Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema,
patakarangarira Zioni.
2Pamikonachando apo
ndipo patakaturika mbira dzedu,
3nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo,
vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati,
“Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”

4Tingaimba seiko nziyo dzaJehovha
tiri munyika yokumwe?
5Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusarema,
ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.
6Rurimi rwangu ngarunamatire kumusoro kwomuromo wangu,
kana ndikasakurangarira iwe,
kana ndisingafungi Jerusarema,
iwo mufaro wangu wapamusoro-soro.

7Haiwa Jehovha, rangarirai henyu zvakaitwa navaEdhomu,
pazuva rakawa Jerusarema.
Vakati, “Rikoromorei! Rikoromorei
kusvikira panheyo dzaro!”

8Haiwa Mwanasikana weBhabhironi, watongerwa kuparadzwa,
achafara munhu uyo achatsiva
kwauri zvawakaita kwatiri,
9iye achatora pwere dzako
agodzirovera pamatombo.
Copyright information for SnaBDSC